Kuyeuka Hama Dzedu Dzakatungamira,
Taungana nhasi isu vana VaNjanji
Tichikuremekedzai Baba Njanji
Nemudzimai wenyu Selina mwana waMutopo,
Mamukomba zvino mwanakomana wenyu Foshi
Uyo aikudai kunge ndiye aiva ega mhodzi yenyu,Maidei naNjodzi varikwavo kunze kwemusha kwamakavadyara,
Naivo vanofara nokuti ndivo vava nemi Baba namai
Asi vatungamirwa nemukoma wavo
Zvino votariswa nedangwe raNjanji Stephen,
Akaramba kudyarwa ega kunze kwemusha
Asi nhasi ava neshamwari dzake Maidei naNjodzi
Dangwe renyu ravabata maoko kutevera anatete vavo
Nhasi uno vakakombwa nehanzvadzi dzababa vake Herina veVherenika
Vese vakavhumbamirwa naKuvi mwana waVhuramai
Anova ndiye nyakutumbura mhuri,
Iye Kuvi neziso rerudo achinyemwerera
Nemazino ake akachena kunge mukaka mukanwa osekerera
Pamwe nahama dzake dzemusha wesewaMusoko,
Kuvi mwanasikana WaMusoko
Tinoisa maoko kwamuri mese, tichikurangarirai nhasi
Nekutiberekera Kuvi uyo akapa upenyu kumhuri
Uyo akatiberekera Njanji Baba uyo akawana Selina amai vedu
Nhasi ndichirangarira vese handikanganwe chisekerere wenyu Savior
Uye makatora zuro rino
Achisiya mapudzi ake asina kana kukora,
Pamusoro pazvo mukati haafambe ega,
Kusina mazuva Nyarai muzukuru wenyu mukamuita muperekedzi,
Misodzi isati yaoma mukatorazve,
Chido chemwoyo hama yangu yePadyo Sisi Tracy,
Nhasi ndinoshaya zororo pfungwa dzinondiwandira,
Ari mupenyu Tracy aiti ndashaya mukoma wekutaurira,
Zvinondirwadza pamwoyo, ndisinganzwisise
Nhasi ndazvinzwisisa zvaaireva,
Achiripo ndaiturira kwaari,
Nhasi handichisina mukoma wekuturira,
Mhezi yepamwoyo isina makwenyero, inondivava,
Chititarisai isu mapunha enyu pano pamusha
Nemumative ese enyika kana mhiri dzemakungwaVana vapera kupararira, semashizha
Asi seshiri ndinoziva havakanganwe
Vanoziva kuti mudzimu weshiri uri mudendere
Akombwa zvino makuva evakuru pamusha apo nepwere
Akakombwa zvino nemanhanga aVerenika, naHerina, naNjanji
Handikanganwe zuva rakadyarwa dangwe raTabhoyi, Rudhu
Iwe Herina uchiridza huhwi, muchuru sebere ratorerwa mwana
Kuti inga vana vadiki vapera pamusha
Wakaoneiko tete vangu hanzvadzi yababa vangu,
Iye zvino zvuru zviye zvadyarwa mapudzi ari kuparara,
Zvino isu sevana vapenyu toti kwamuri,
Chivatarisai imi mese muri kumafuramhepo
Nerudo chivavhumbamirai mapunha enyu,
Vagokurangarirai nendyaringo dzamakavadzidzisa
Nemisodzi nekugunun’una vanokurangarirai
Mese vakuru nevadiki vemumusha uno
Isu vana venyu vamakasiya tichingochema,
Asi tichiziva kuti imi makatungamira,
Nesu inguva chete tichatevera hedu,
Zororai henyu murugare mese imi muri kuchamhembe.
Zororai henyu sekuru naambuya...
ReplyDelete